Shona Anglican Hymn 268 Tinofara kwazvo nhasi
1. TINOFARA kwazvo nhasi
NdiJesu wabarwa,
Nengerosi dzichiimba
Nokumuchingura.
Mwana mumwe waMaria
Wauya kunesu,
Zita rake rinofadza,
Emaueri, Emanueri.
2. Takotama mberi kwake
Nokuvirikidza.
Takomborerwa naiye
Tichafara kwazvo.
3. Hatidi pfuma dzepasi
Tirikuringisa
Kubarwa kwako ndiMai
Maria Mhandara.
4. Ngerosi dzirikukomba
Kuona kamwana.
Nyenyedzi dzirikudzimwa
Mwana uri Zuva.
5. Kupenya kwokupenyawo
Venekera isu
Kuti tichengete zuva
Rokubarwa kwako.