Shona Anglican Hymn 265 Nhasi Tenzi wabarwa
1. NHASI Tenzi wabarwa,
Dzingerosi dzafara,
Dzichiimba dzichiti:
“Mbiri kunewe Mwari
Mambo uri kumsoro.”
Mwari wabarwa ndiMaria,
Mai neMhandara.
Maria mutsvene
Maria mutsvene.
2. Vachirinda Vafudzi,
Vanzwa ngerosi yati
“Kune pasi kufara,
Mwana zvino wabarwa”
Muponisi wavanhu.
3. Wauya Emanueri
Seizwi raGabrieri,
Nere Vaprofitizve
Kuti achazouya
Achibva kuna Baba.
4. Uyu Mwana ndiKristu
Wabarwa ndiMaria;
Mambo wedu naTenzi
Ngatiimbire tese,
Mbiri kunewe Mwari.