Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 264 Arimo mudanga Lyrics

Shona Anglican Hymn  264  Arimo mudanga

 

1. ARIMO mudanga,

Muomberei,

Tenzi wabva kudenga ,

Vanhu ngavapiwe

Upenyu hutsva.

Zvino vapiwa

Upenyu hutsva.

2. Imi vafudzi,

Taurai zvino,

Ndimi manzwa

Mazwi engerosi.

“Mwana wauya

Uyu Muponisi

Anomupa

Mese runyararo.”

3. Imi vamambo,

Kotamai pano,

Matungamidzwa

Ngeiyo nyenyedzi,

Zviremba zvenyu,

Zvibvisei zvino,

Omberai

Mambo wokudenga.

4. Mhepo mumiti

Taura masoko

Nyanza nepasi

Imbisai mese.

Dima rapera

Ona Zuva rabuda.

Yapenyisa

Mbiri yoM’ponisi.

Exit mobile version