Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 260 Yokukumbira Lyrics

Shona Anglican Hymn  260  Yokukumbira

 

1. MWARI Baba wedu,

Mukorore,

Mweya Unoyera,

Takuteta tinzwe.

2. Kune mweya yese

Yavaranda vako

Vakafa munewe,

Ipa kuzorora.

3. Inzwa minamato

YeSangano rako

Pasi nokudenga,

Vape kuzorora.

4. Muponisi wedu,

Iwe une mutsa

Kune Vanyangadzi;

5. Jesu, Mwari wedi

Wakaitwa munhu

Ukagara nesu,

6. Iwe paM’chinjiko

Wakava nenhamo

Ukafira isu,

7. Muropa rako

Rwizi runokosha,

Vachenure kwazvo,

8. Jesu mukuriri,

Wakakunda kufa

Nokumuka kwako,

9. Mupristi wedu,

Iwe unodisa

Kutikumbirira;

10. Ndiwe Ruveneko

Ndiwe Runyararo,

Rwavatsvene vako,

11. Tenzi kune nyika

Youpenyu hwedi,

Nyika yengerosi,

Pinza mweya yavo.

12. Kune musha wako

Apo vanofara

Vanoyera vese;

13. Kumba kune mbiri,

Apo usu hwako,

Huri kupenyisa,

Exit mobile version