Shona Anglican Hymn 245 Kwaziwai Maria Mai waJesu
1. KWAZIWAI Maria! Mai waJesu,
Vana vako vanokuchemera.
Tinokudisa’ zvo usine vara,
Nyenyedzi inopenya yedenga.
Mai unodiwa, tinamatire,
Tinamatirewo vana vako;
Kwaziwai Maria! Mai waJesu,
Nyenyedzi inopenya yedenga.
2. Kwaziwai Maria! Mudiwa wedu,
Tiri vafambi, tibatsirewo.
Izwi redu ngarikwire kunewe,
Nyenyedzi inopenya yedenga.
3. Kwaziwai Maria! Tiri kuuya
Pamberi pako norudo rwedu.
Mweya wako ngaudzike panesu,
Nyenyedzi inopenya yedenga.
4. Kwaziwai Maria! Mubatsiri’ we,
Takarasika, tidzivirire,
Tibatsire kuti tichirunzirwa,
Nyenyedzi inopenya yedenga.