Shona Anglican Hymn 243 Kwaziwai Mai
1. KWAZIWAI Mai,
NeNyenyedzi yedu,
Inotiratidza
Nzira yokudenga.
2. Iwe Musikana
Wakakudzwa kwazvo,
Mwari wakauya
Kuve Mwana wako,
3. Nguvayo Gabrieri
Akakukwazisa,
Runyararo rwese
Rwakauya pasi.
4. Satan wakasunga
Isu ngemajoti,
Ndizvo tinoshaya
Zvese zvakanaka
5. Mai woM’ponisi
Une tsitsi dzese,
Namatira isu
Kuno Mwana wako;
6. Kuti atiite
Tifanane newe,
Ngekupfava kwazvo
Nokuchena kwese.
7. Minamato yako
Ngaitibatsire,
Ndizvo tichawana
Nzira yokudenga.
8. Mbiri ngaipiwe
Kuna Mwari Baba,
Kuno Mukorore,
Mumwe noMweya. Amen.