Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 24 Iwe izwi roKudenga Lyrics

Shona Anglican Hymn  24  Iwe izwi roKudenga

 

IWE Izwi roKudenga
Wakaberekwa ndiBaba,
Wakabarwa pasi pano
Kubatsira vanhu vako.

Vhenekera mwoyo yedu
Tizadze nerudo rwako;
Kuti, tadaidzwa ndiye,
Tirase zviro zvenhando.

Apo unozouyazve
Kuzotonga vanhu vese;
Vanyangadzi vachidzingwa,
Vamwe vachakomborerwa.

Tisarase pakuguma
Pam’sana pemhosva dzedu
Tiite tikudisise,
Navatsvene vako vese.

Mbiri kunaMwari Baba
Mbiri kunoMukorore
Naye Mweya Unoyera,
Zvino napanguva dzese.Amen.

Exit mobile version