Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 234 Iwe Mwoyo pakuneta Lyrics

Shona Anglican Hymn  234  Iwe Mwoyo pakuneta

 

1. IWE Mwoyo pakuneta

Kudza Mwari; uringise

Apo Vanoyera vese

Vanomira vane mbiri.

Ndizvo tenda Mwari wavo

Iye wakavapa simba.

2. Tenda Mwari ndiMaria

Anopinda vanhu vese

Mukuchena nokuyera.

Mukwazise seNgerosi

Reva kuti: “Mai wedu

Iwe wakakomborerwa.”

3. Tenda Mwari NdiJohane

Munyai waTenzi wedu.

Tendawo ngeVapostori

Vakakudzwa pasi pese,

Nehondo dzaVamatari

Dzakamutambudzikira.

4. Tenda Mwari ngeMhandara

Dzakachena, dzine simba:

Mboo dzakashinga kwazvo,

Vadzidzisi, Vadzibaba,

Vadzimai vanoyera

Vakachengeta varwere.

5. Tenda Mwari ngevapwere,

Tusikana, tukomana

Twakasvika ngekufara

Kune musha wokudenga

Apo vese vanoimba

Mbiri kuna Mwari wavo.

Exit mobile version