Shona Anglican Hymn 229 Inzwa nziyo vanoyera vanoimba kudenga
1. INZWA ndwiyo vanoyera vanoimba kudenga,
Areruya, Areruya, voimba kunaMwari.
Hatigoni kuverenga chita chavanoyera,
Vane nguvo dzakachena vanobata michindwi.
2. Vadzibaba, vaProfiti vakagadzera nzira
VaProstori, vaMatari, navo vaVangeriwo;
NeVakadzi neMhandara vese vane chitendo,
Vese vanoimba pamwe kumutunhidza Mwari.
3. Vabva mumatambudzo vakasuka nguvo dzavo
Muropa raTenzi Jesu, vakashinga kumira
Vakasungwa nokusekwa, vakakorera kufa,
Vakakunda rufo pasi ngemusimba raJesu.
4. Vakashinga kutevera Jesu Kristu mukuru,
Pasi pomureza wake, Muchinjiko wenyadzi,
Vakafara kumufira, vakadisa zvinetso,
Nomukufa vachamuka muupenyu hwembiri.
5. Asi zvino vanotonga naye Mambo kudenga,
Vari kumwa mvura yavo mune rwizi rwaMwari,
Runyararo, rudo, idi, zvese vanozviona,
Ngekuona Baba Mwana noMweya Unoyera.
6. Mwari, Mukorore, Kristu, Mambo, Emanueri
Vanoyera vanogara munaiye narini:
Takuteta Tenzi Jesu dira grasia panesu,
Mwari Baba Mukorore noMweya Unoyera. Amen.