Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 22 Tenzi wakasika denga Lyrics

Shona Anglican Hymn  22  Tenzi wakasika denga

 

TENZI wakasika denga,
Kupenya kwavanhu vako
Jesu Muponisi wedu,
Inzwa minamato yedu.

Zvo wakange une nyasha,
Pana vanhu vane mhosva,
Wakaponisa mukufa
Ngezvipo zvetsitsi dzako.

Izvo nguva yakasvika,
Iwe ngesimba norudo
Wakasunungura pasi
Ngekubarwa ndiMaria.

Zvino vese
Zita rako rine mbiri;
Zita rako rine mbiri;
Zvese zvedenga nepasi
Zvinokubvuma saMambo.

Takuteta Muponisi
Uchatonga pakuguma,
Tikotse, tigere pano
Muzano remhandu yedu.

Ngatipe zvino narini
Mbiri kuna Mwari Baba,
Mbiri kunoMukorore,
Naye Mweya Unoyera. Amen.

Exit mobile version