Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 21 Iye wakafira vanhu Lyrics

Shona Anglican Hymn  21  Iye wakafira vanhu

 

IYE wakafira vanhu
Achadzika ane mbiri
Vatsvene vakafa vese
Vachauya naye Mambo
Areruya,
Kristu achadzikazve.

Vanhu vese vachaona
Mbiri yake inotyisa.
Avo vakamutengisa,
Nokubaya Tenzi wavo,
Vachachema,
Vachazoona Mambo

.

Madzvadzi enhamo yake
Achaonwa ane mbiri;
Achakudzwa nguva dzese,
Ndivo vakaponiswa.
Vachafara,
Kuona Muponisi.

Ngatikuombere tese
Pachigaro choumambo,
Kristu tora simba rese
Tonga pasi narini.
Areruya,
Mambo wezviro zvese.

Exit mobile version