Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 204 Mwari makafaranuka Lyrics

Shona Anglican Hymn  204  Mwari makafaranuka

 

1. MWARI makafaranuka

Kugara saBaba,

Mukorore, muuhumwe

NoMweya wako.

Chingwa chedu, waini yedu

Ndizvo tinozvipa .

Kuna Baba unoyera,

Tichitenda kwaari.

Noupenyu hwake.

2. Ndiwe Mwari wakasika

Vanhu vese pasi

Kuti vazofare newe

Pano nokudenga.

3. Asi tese takatadza:

Hatichafaniri

Kupa chipo chedu kuna

Mwari unoyera.

4. Ndizvo Mwari anetsitsi

Akatipa chipo

Chinogashirika kwazvo

Kunaiye mbune.

5 Chipo icho takapiwa

Ndiye Mwari Baba

Mukorore Jesu Kristu,

6. Ndizvo Mwari, Baba wedu,

Hatizvisimbisi

Tichiuya kundoimba

Munamato wedu:

7. Zve, kunyange zvipo zvedu

Zvisingafaniri

Kuna Mwari, tichauya

Tichiimba rwiyo.

8. Tinoshinga kuswendera

Mwari unoyera

Pamwe chete noM’ponisi

Chipo chedu chedi.

9. Ndizvo Baba, mugashire

Zvipo zvedu pamwe

Nomuviri wakachena

Ropa raJesuzve.

Exit mobile version