Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 198 Uyayi mudye muviri waTenzi Lyrics

Shona Anglican Hymn  198  Uyayi mudye muviri waTenzi

 

1. Uyai mudye Muviri waTenzi

NeRopa akaparadzira isu.

2. Takatengwa ngeRopa noMuviri

Zvino tasimbiswa tinomutenda.

3. NgemuChinjiko neRopa rake’po

Kristu Muponisi wakakurira

4. Wakaperekerwa vanhu vese,

Iye Muteuro; Iye Mupristi.

5. Kare nyenye dzakabairwa vanhu

Mifananidzo yeChidyo chaTenzi.

6. Mukufa ndiye achaponisesu,

Nazvino anotipa tsitsi dzake.

7. Vanoyera vachachengetwa ndiye

Vachagashira upenyu kudenga

8. Nzara nenyota zvichapera zvino

NgeChingwa neWaini zvine upenyu

9. Mutongi wendudzi dzese dzepasi

Zvino unesu, ngatimuombere.

Exit mobile version