Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 195 Tenzi unogara denga Lyrics

Shona Anglican Hymn  195  Tenzi unogara denga

 

1. TENZI unogara denga

Ukamuka, Chine Mbiri

Mubatsiri wedu wega.

Uchamutsa vanhu vako.

Areruya, Areruya,

Jesu, chingwa choupenyu.

2. Hationi mbiri yako

Pano sapa Betrehema,

Asi pano sezvo uko

Unokudzwa ngengerosi.

Areruya, Areruya,

Ngatiimbe pamwe nadzo.

3. Nyenye, muteuro wako

Wakapedzwa paM’chinjiko,

Asi muteuro wako

Unogara nguva dzese.

Areruya, Areruya,

Kuti uchenure isu.

4. Mana yedu youpenyu,

Dombo rakaroverwesu;

Denga nesu, ngatikudze

Iwe wakafira isu.

Areruya, Areruya,

Mwari, Mambo, Muponisi.

Exit mobile version