Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 194 Tafunga Baba ngerudo rwuya Lyrics

Shona Anglican Hymn  194  Tafunga Baba ngerudo rwuya

 

1. TAFUNGA Baba ngerudo ruya

Rwakatitenga paMuchinjiko;

Tiripano naye Muponisi,

NdiJesu anotikumbira,

Iye Kudenga, isuwo pasi

Tinokupa pamwe Muteuro.

2. Tarisa Baba, pausu hwake

Mupristi mukuru wakozorwa,

Tiri vanyangadzi takatadza,

Tinotyiswa tega kuswendera;

Ndizvo tinopereka Mudiwa,

Tenzi uyo wakatiponisa.

3. Tinokumbirazve Iwe Mwari

Ngepamusana pehama dzedu,

Chengeta vese vakafa vedu

Ponisa avo vari mu’penyu;

Vafungatire paditi rako,

Nokuvabatsira kuchamira.

4. Ndizvozvo tauya Muponisi

Kunewe unotidisa kwazvo.

Ngeuku kudya kunotapira

Tiponise kubva zvakaipa.

Ngatifare nokusununguka,

Mukuitira basa narini.

Exit mobile version