Shona Anglican Hymn 179 Dzvara muchinjiko wako
1. Dzvara muchinjiko wako,
Akadaro kune vake:
Simbira kusiya nyika,
Utevere norufaro.
2. Dzvara muchinjiko wako,
Usazeze kuremerwa,
Iye anokusimbisa
Parwendo rwako kudenga.
3. Dzvara muchinjiko wako,
Usavundutswe nechiro,
Unokuratidza wega
Nzira unoenda nayo
4. Dzvara muchinjiko wako,
Udzungirire nerwendo;
Jesu akatangodzunga
Kuzokuratidza nzira.
5. Dzvara muchinjiko wako,
Kuti ukautakura,
Uchazopiwa chiremba
Munyika youpenyuyo.