Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 163 Mumwe musi vadzimai Lyrics

Shona Anglican Hymn  163  Mumwe musi vadzimai

 

1. Mumwe musi vadzimai nevana

vakauya kuna Tenzi Jesu.

2. Vadzimai vanomuunzira

Vacheche kuti avade vese

3. Vapostori vese vakaramba

Tenzi Jesu akatsvamwa akati,

4. “Regai vapwere kuti vauye

Vakakomborerwa vakadare”

5. Wakatora muruoko rwake

Akavabatazve somudisi.

6. Uyai, uyai, uyai kuna Jesu

Imi mose kuno Muponisi.

Exit mobile version