Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 162 Muranda unodikanwa Lyrics

Shona Anglican Hymn  162  Muranda unodikanwa

 

1. MURANDA unodikanwa

Womusoja mumwe,

Wakange ari kurwara

Akafa mitezo

2. Vakuru vakatumirwa

Nomusoja uya,

Kukumbira Tenzi Jesu

Kuuya kurapa

3. Apo Jesu akasvika,

Mukuru wezana

Wakamuchingamidza,

no Rufaro, achiti.

4. Tenzi musazvitambudza

Nokuti handina

Faniro kuti mupinde

Muumba mangu’mu.

5. Asi taurai henyu

Izwi rimwe chete;

Muranda unodikanwa

Acharapwa hake

6. Jesu achishama naye,

Norutendo rwake,

wakati,”Musoja uyu

Wakakomborerwa.”

Exit mobile version