Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 155 Ita ndiuye petyo, Jesu Lyrics

Shona Anglican Hymn  155  Ita ndiuye petyo, Jesu

 

1. ITA ndiuye petyo, Jesu
Petyo pamisi yese.
Ita ndibate Iwe, Jesu
Murwendo rwangu rwese.

2. Ndiite ndikuone Jesu,
Soruvheneko rwedi
Ita ndireve mazwi ako
Orudo nokupfava.

3. Ndiite ndive, samatsime,
Orudo kuna vanhu
Ita undishandishe Jesu,
Kukushandira chete. .

4 Gara saMambo wangu, Jesu
Mumwoyo nomuviri.
Ndiite munhu kwaye, Jesu
Muranda wako wedi.

5. Ita ndive nenyota, Jesu
Ndive nenzara kwazvo
Nzara yokukuona. Jesu
Mumusha weZion.

Exit mobile version