Shona Anglican Hymn 153 Mweya yese inotyeyi
1. MWEYA yese inotyei
Sehwai dzakatyiswa?
Imi masiyireiko
Rudo rwedi rwaTenzi
2. Mufudzi anochengeta
Hwai dzake nenyasha; Muponisi anoreva Kuti tiuye petyo
3. Nyasha dzaMwari mukuru
Dzakakura senyanza
Unotonga vanyangadzi
Nguva dzose nomutsa
4. Tenzi anonzwa masoko
Edambudzo repasi
Une nyasha Muponisi
Kupinda vanhu vese.
5. Muno ruponiso rwese
Muropa rake Jesu
Sezvo akasuva kwazvo
Tese tinofariswa
6. Vanhu havazivi nedi
Rudo rwaMwari wedu
Rudo rwake rwananisa
Mwoyo wake mukuru.
7. Uyaiwo kuna Jesu
Imi mese musatye.
Davirai kuti ndiye
Anotida zvikuru
8. Ngatigashire savana
Mazwi a Tenzi Jesu
Misi yose tichifara,
Tinogara naiye