Shona Anglican Hymn 144 Sezvo mhembwe yatizira
1. SEZVO mhembwe yatizira,
Ichidisa kunwa,
Neiyi nzira, iniwo
Ndakudisa, Tenzi.
2. Mweya wangu une nyota
Unokusuvira
Ndichakuringisa rini
NoUmwari hwako?
3. Sei ndichitambudzika
Ngandisimbirire
Ndigoimbira Mwarizve
Mambo noM’ponisi.
4. Mbiri kuna Mwari Baba,
Kuno Mukorore,
Nokuna Mwari Mweya
Ndiye Munyaradzi. Amen.