Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 141 Kumwana waDavidi Lyrics

Shona Anglican Hymn  141  Kumwana waDavidi

 

1 KUMWANA waDavid,

Nyama Changamire:

Yasvika nguva zvino

Yokukudzwa kwako:

Wazovasunungura

Avo vakasungwa;

Chibvisa kusiyana

Tonga uswature.

2. Nyika inopembera:

Ngekukunda kwake,

Vese vane rufaro

Muna Tenzi Jesu.

Nyika dzinopingudzwa

Kunzwa Izwi rake,

Vakamutenda kare

Vanondopembera.

3 Wokudzwa namadzishe

“Nyama Changamire”

Marudzi amutsvake,

NoUmambo hwake

Chavanohutendera

Hahuketi ndudzi

Hufuke nyika yose

Titongwe narini.

4. Vamambo vamarudzi

Vachaunza zvipo

Zvendarama nemura,

Kundomuombera.

Vanhu vese vepasi

Vachamutunhidza:

Umambo hunowanda;

Hugere narini.

Exit mobile version