Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 14 Ndinokutunhidza Mwari Lyrics

Shona Anglican Hymn  14  Ndinokutunhidza Mwari

 

NDINOKUTUNHIDZA Mwari,
Izvo wandikotsa nhasi:
Ndichengete, Mambo wangu,
Ngesimba rako usiku.

Dzima zvitadzo zvanhasi
Pamsana poMwana wako;
Ngandiende kundorara
Ndafarirana nevese.

Undidzidzise kugara
Kuzoti ndisatye kufa;
Ndidzidzise kufa kuti
Ndimukezve pakuguma.

.

Ndipe hope dzakanaka
Kuti mweya uzorore,
Hope dzinondisimbisa
Kukufadza pakumuka.

Kuti hope dzichiramba,
Ndipe pfungwa dzokudenga;
Ndisatambudzwe usiku
Ngerimwe simba redima.

Tunhidzai Mwari mese
Mutunhidzei zvisikwa;
Mutunhidzei Ngerosi
Baba, Mwana, naye Mweya.

Amen.

Exit mobile version