Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 139 Jesu ndakapikira Lyrics

Shona Anglican Hymn  139  Jesu ndakapikira

 

1. JESU, ndakapikira

Nechipiko changu

Ndinonamata iwe

Mubatsiri wangu.

Handizotyi kukundwa

Kana uri petyo,

Nokurasika nzira

Uri mupereki.

2. Ndikunzwe petyo neni

Ndakaunganirwa:

Zviro zvokugarika

Zviri kutambudza.

Ndinotya mhandu dzangu

Dzakawanda kwese

Jesu, swendera petyo

Undidzivirire.

3. Ndizvo taura Tenzi

Nokupfava kwako.

Chikurira ruchiva

Nokuzvida kwangu.

Ndipewo simba rako,

Unditungamire

Ndiite kuti ndinzwe

Izwi rako Tenzi.

4 Ndiite nditevere

Tsoka dzako pasi.

Handina simba Tenzi

Asi rako chete.

Chitungamira zvino

Namazuva ese

Dzamara pakuguma

Ndive pamwe newe.

Exit mobile version