Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 134 Farirai kuna Tenzi Lyrics

Shona Anglican Hymn  134  Farirai kuna Tenzi

 

1. FARIRAI kuna Tenzi

Vanhu vese vari pasi.

Munamatei, muuye

Pamberi pake norwiyo.

2. Munoziva, kuti Tenzi,

Wakatisika nesimba;

Iye ndiye mufudziwo

Isu tiri hwai dzake.

3. Ngatipinde Chechi yake

Nokufara nokutenda;

Tiombere titunhidze

Zita rake rinoyera.

4. Izvo Mwari akanaka,

Nyasha dzake hadzigumi,

Idi rakange riripo

Richagara nguva dzese.

5 Baba, noMukororezve

NoMweya unoutsvene,

Gashira zvitendo zvedu

Zvino napanguva dzese. Amen

.

Exit mobile version