Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 133 Chechi iri kumirira Lyrics

Shona Anglican Hymn  133  Chechi iri kumirira

 

1. CHECHI iri kumirira

Kutonga kwako pasi;

Isu tese tinorinda

Musi woruponiso

Tumira vakohwi zvino

Mukupupura kwako.

Kusuwa kwoMuponisi

Kwakava nhando here?

2. Vazhinji vasati vanzwa

Masoko oupenyu;

Vanganzwe sei vasina

Muparidzi weIzwi?

Tenzi raura vangeri

Ngariraurwe kwese,

Nokusima ruponiso

Kumagumo epasi.

3. Pakuguma vanhu vako

Vachaungana vese.

Mambo achagara navo

Satani achasungwa.

Nzara, shungu, kufa nhamo,

Izvi zvichabva zvese

Chechi iri kumirira,

Uya Jesu, utonge.

Exit mobile version