Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 122 Mwari ngahusvike Lyrics

Shona Anglican Hymn  122  Mwari ngahusvike

 

1. MWARI ngahusvike

Umambo hwedenga,

Putsawo zvitadzo

Netsvimbo yedare.

2. Rugare rwakozve

Ruripi norudo?

Kunopera rini

Kutadza kwesezve?

3. Nguva yakatsidzwa

Inosvika rini

Apo zvakaipa

Zvichapera zvese?

4. Takuteta, Tenzi,

Uya une simba,

Ugutse maziso

Edu anokuda.

5. Vanhu vanoshora

Zita rinoyera,

Manyadzo avanhu

Anodzima rudo.

6. Nyika zhinji zvino

Dzigere mudima;

Buda, zuva redu,

Udzivenekere.

Exit mobile version