Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 109 Mwari uri munanisi Lyrics

Shona Anglican Hymn  109  Mwari uri munanisi

 

1. MWARI uri munanisi

Umambo hwakozve;

Nomutsa wako mukuru

Unojeka kwazvo.

2. Iwe unoremekedzwa

Tenzi ndiwe Mwari,

Unoomberwa zvikuru,

Uchivirikidzwa.

3. Ndinokutya Mwari wangu

Nokutya kukuru,

Nokukuombera Tenzi

Nechemo yorudo.

4. Asi Tenzi ndinokuda,

Unesimba rese

Nokuti wakakumbira

Kuti ndikudise.

5. Hapana baba namai

Vonondida sewe,

Unondinyengera kwazvo

Ini munyangadzi.

6. Mwari ndiBaba waJesu

Ndichafara kwazvo

Kukotama mberi kwako

Ndikuyeve zvangu.

Exit mobile version