Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 4 Hapana paasiri Lyrics

Nziyo Dzekereke RCZ hymnal

Hymn 4 Hapana paasiri Lyrics

 

1
Hapana paasi…..ri
Wedenga Bambo SHE;
Bva posewo pati…..ri
Ndipo paari SHE!
Mirangariro yo…..se
Painokwirapo
Kum’soro pasi po…..se,
Wedenga uripo!

2
Hapana zvinhu zvo…..se
Zvinodarikwapo;
Vanomutenda vo…..se
Vachachengetwawo!
Mazana ezvishiri,
Nebundo nairo;
Nyanguvawo mako…..nye
Worinda zvose’zve.

3
Zviri munyika yo….se,
Zviri mumvurawo.
Nezvinofamba po…..se
Zviri mudengamo;
Zviumbwa zvake zvo….se
Uchazvinyimirei?
Mazuva ose o…..se
Zvinochengetwa sei!

4
Bva vana vaSHE
Ba…..mbo
Votaririrwawo;
Uri parudyi rwa…..vo,
Nokurubosweko.
Pavanoshayiwa si…..mba,
Panhamo dzosewo,
Nyanguvawo parufu
Wedenga uripo!

Exit mobile version