Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 35 Ndakanzwa Jesu achiti Lyrics

Nziyo Dzekereke RCZ hymnal

Hymn 35 Ndakanzwa Jesu achiti Lyrics

 

1
Ndakanzwa Jesu achiti:
Kwendiri chiuyai;
Manyara, maremerwawo,
Ndichamuzorodzai!
Ndauya kuna Jesu SHE,
Ndanga ndanyara sei!
Ndikazopiwa zororo,
Naye ndofara sei!

2
Ndakanzwa Jesu achiti:
Uyai ndigomupai;
Imvura mhenyu iyoyi,
Mutore chiinwai.
Ndauya kuna Jesu SHE
Ndatora ndikanwa;
Ndapedze nyota yangu sei
Upenyu wandipa!

3
Ndakanzwa Jesu achiti;
Kwendiri tarirai!
Chiedza ndinongomupai,
Ndichamuperekai!
Ndauya kuna Jesu SHE,
Izuva ranguwo,
Richandivhenekerazve
Parwendo rwangu ‘rwu!

Exit mobile version