Nziyo Dzekereke RCZ hymnal
Hymn 308 Kuvigwa Kwavakristu Lyrics
1
**Nziyo dzingaimbwa parufu (manamba matsva):**
195, 196, 197, 198, 199, 200, 201, 202, 103; 100, 212, 226, 235, 124, 208,
104, 106, 109, 110, 135, 137, 138, 192 (ndima 1 na2), 102 (ndima 1 na2)
**Dzimwe ndima dzingasharwa nomutungamiriri:**
Joh. 14:1-7: 1 Kor. 15:35-44; 1 Kor. 15: 50-58; 2 Kor. 5:1-10; 1 Tes. 4:13-18;
2 Tim. 4:6-8; Zvak. 14:13; 2 Kor. 5:1; Joh. 5:24-26.
Mwari wamasimba ose wakafadzwa nazvo kuti atore mweya wehama yedu iyi ivete
kuti udzokere kwawakabva.
Iye Mwari wakati, zvauri guruva, uchadzokerazve kuguruva. Saka zvino tinoviga
muviri wake mubwiro kusvikira nguva inouya, yokuti vakafa vachanzwa inzwi
roMwanakomana waMwari; uye vaya vanorinzwa vachararama. Zvino vaya vakaita
zvakanaka, vachabudira kumuka kwoupenyu; vaya vakaita zvakaipa, vachabudira
kumuka kwokutongwa.
Jesu wakati: “Ndini kumuka noupenyu. Anotenda kwendiri, achararama kunyange
akafa.” Tinoziva kuti iye Mwari, wakamutsa Ishe Jesu, achatimutsawo isu
pamwechete naJesu, agotiisa pamberi pake. Nenzira iyi tichava naShe nguva
dzose. Naizvozvo, nyaradzanai namashoko awa.
Shoko raMwari rinoti: “Zvino, hama dzangu, hatidi kuti mugare musingazivi
pamusoro pavaya vavete, kuti mugoregochema sezvinoita vaya vamwe vasine
tariro. Nokuti kana tichitenda kuti Jesu wakafa akazomukazve, saizvozvowo vaya
vakavata muna Jesu, Mwari achazovauyisa pamwe chete naye. Achatuma vatumwa
vake nehwamanda huru, vagounganidza vasanangurwa vake kumativi ose. Hwamanda
icharira, ipapo vakafa vachamutswa vasina kuora.”
Saka vadikanwa, zvamunotarira izvi, shingairai kuti muwanikwe naye mune
rugare, musina gwapa, musina chamungapomerwa. Mirai makasimba,
musingazununguswi, muchishandira Ishe zvikuru nguva dzose, muchiziva kuti
kubata kwenyu hakungavi pasina Ishe