Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 304 Bhapatidzo Yavana Lyrics

Nziyo Dzekereke RCZ hymnal

Hymn 304 Bhapatidzo Yavana Lyrics

 

1
Hama dzangu,
Tererai munzwe mashoko anodudzira bhapatidzo tsvene. Kuna mashoko makuru
matatu:

1. Isu navana vedu tose takaponerwa muzvivi; naizvozvo hatingopindi muushe
hwaMwari kana tisina kuponiwa rwepiri. Kubhapatidzwa nemvura kunotiyeudzira
kuti mumimwoyo yedu yakasvibiswa nezvivi; hatigoni kuzvinatsa isu.

2. Bhapatidzo inorevawo kuti zvivi zvinosukiwa naJesu Kristu. Saka
tichibhapatidza muzita raBaba neroMwanakomana neroMweya Mutsvene.
Tinobhapatidzwa muzita raBaba nokuti ndivo vanoita chitenderano nesu vachiti
ndinokugamuchirai kuti muve vana vangu vandinochengeta. Tinobhapatidzwa muzita
roMwanakomana nokuti anotisuka zvivi zvedu zvose neropa rake achitisunungura
pazviri. Tinobhapatidzwa muzita roMweya nokuti anoda kugara mukati medu,
agotiita mitezo yaKristu nokutivigira ropafadzo yaKristu agotisvitsa kuupenyu
husingaperi muungano yavatsvene tisine gwapa kana vara.

3. Tinoziva kuti pakutenderana kwose panosiva navaviri vanozvisunga. Kana ari
Mwari anozvisunga pabhabhatidzo kugamuchira vana vedu achivaita vadyi venhaka
youpenyu husingaperi vasukwe zvivi zvavo muropa raJesu Kristu. Kana tiri isu
vabereki (nezvapupu) tinozvisunga kuterera Mwari chose, ndiko kumutenda
nokumuda nemwoyo yedu yose, tichiramba zvenyika, tichikurira munhu wedu
wekare, nokufamba muupenyu hutsva.

Zvino vana vedu vadoko havanganzwisisi mashoko iwawa. Nyangwe zvakadaro
hatingavaregi vasina kubhapatidzwa nokuti vakatongerwa rufu muna Adama
vazingazvizivi naizvozvowo vakagamuchirwa nenyasha muna Kristu vasingazivi.
Ndizvo zvakarehwa naMwari kuna Abrahama, baba vavatendi vose uye anoderowo
kwetiri tose navana vedu; achiti: Ndichasimbisa chitenderano changu pakati
pangu, newe, navana vako vanokutevera pamarudzi avo ose kuti chive
chitenderano chisingaperi; ndichava Mwari wako nowovana vako vanokutevera.

Saka Mwari wakarayira kare kuti vana vadzingiswe, ndicho chaiva chiga
chechitenderano chake. NaKristuwo wakambundikira vana vadoko nokuvaropafadza.
Bva zvino bhapatidzo ndiyo yakauya pachinhambo chedzingiso, saka tinofanira
kubhapatidza vana vedu, zvavari vadyi venhaka yaMwari, uye vabereki vavo
vanozvisunga kuti vadzidzise vana vavo izvozvi kana vokura.

Ngatinyengeterei Mwari kuti bhapatidzo iitwe nomutoo wakafanira. Ishe
akudziwe, isu tigosimbiswa.

**Munyengetero**

Mwari wamasimba ose, tinokumbira kuti mutarire (vana ava / mwana uyu) nenyasha
dzenyu huru, (mugovashonganisa / mugomushonganisa) naJesu Kristu nomubato
woMweya Mutsvene, (vagovigwa / agovigwa) panhu pamwe naye murufu rwake
(vagomutswazve / ugomutswazve) panhu pamwe naye muupenyu hutsva. (Ngavasenge /
Ngaasenge) chinjikano (yavo / yake) nomufaro (vachinamatira / achinamatira)
pana Jesu nokutenda kwazvokwadi; (vave / ave) netariro yakasimba, (vavewo /
avewo) norudo runopisa, (vachimutevera / achimutevera) zuva rimwe nerimwe.
Kana nezuva rokupedzisira (vagondomira / agondomira) pamberi pechigaro
chokutonga chaKristu, Mwanakomana wenyu, (vasingatyi / asingatyi). Tinokumbira
izvozvi muzita raJesu Kristu.
Amen.

**Kuvabereki vavana**

Vadikanwa muna Jesu Kristu, manzwa zvino kuti bhapatidzo ndiwo murayiro
waMwari, uye chiratidzo chinopupura kuti wakaita chitenderano nesu navana
vedu. Saka hatifaniri kuuya navana vedu kubhapatidzo tichingotevedzera vamwe,
uye tirege kufunga kuti mvura yebhapatidzo ine simba rokuponesa vana vedu.

Saka chidavidzai nomwoyo wezvirokwazvo mashoko omuchavhunziwa. kuti vose
vagoziva kuti mauya navana venyu nomutoo wokunzwisisa.

1. Vana venyu ava, kunyangwe vakaponerwa havo muzvivi vachifanirwawo norufu
nokuda kwezvivi izvozvi; ko munotenda kuti vanofanira kubhapatidzwa
zvavakashanangurwa naKristu here?

2. Ko munotenda kuti dzidziso dzeTestamente yeKare neTestamente Itsva
dzinodzidziswa mukereke ino, ndidzo dzinoratidza nzira yoruponeso here?

3. Ko imi vabereki (nezvapupu) munozvisunga here, kuti kana vana venyu vogona
kunzwisisa (mwana wenyu ogona), muchavadzidzisa (muchamudzidzisa) zvakanaka
dzidziso idzi, kana kuita pamunogona napo kuti vadzidziswe (adzidziswe)
izvozvi? Munoti kudini?

**Davidzo:** Hon’o.

_Mufundisi achibhapatidza mwana achiti:_

Ndinokubhapatidza muzita raBaba neroMwanakomana neroMweya Mutsvene. Amen.

**Munyengetero**

Baba gamuchirai vana ava (mwana uyu) nenyasha dzenyu, munyore mazita avo (zita
rake) mubhuku renyu roupenyu. Mubetsere vabereki vavo (vake) kuti
vatungamirire vana vavo (mwana wavo) zvakanaka, pavakazvisunga napo,
vagovasvitsa (vagomusvitsa) pana Jesu Muchengeti wavo (wake) nowedu tose.
Tinokumbira izvozvo muzita raShe Jesu.
Amen.

Exit mobile version