Nziyo Dzekereke RCZ hymnal
Hymn 28 Muchengeti wokudenga Lyrics
1
Muchengeti wokudenga,
Munogara ikoko,
Iko nhasi tinofunga
Kuponiwa kwenyuwo,
Kwakaitwa kare kare,
Mukauya kunesu;
Somuchena maradzikwa
Pazvipfuwo ipapo.
2
Bva tinenge takumbira
Nhasi pamaiswa’po;
Rwiyo rwedu rumufadze
Sorwavanhu ivavo.
Muchengeti, tinoonga
Rudo rwenyu irworwu,
Rwakazarurira isu,
Suwo rokudengawo.
3
Ndimi maponerwa pano,
Mukazotifirawo,
Kutigadzirira apo
Patingandofara’po;
Tichimuimbira zvino
Tichimukudzisazve.
Shandurai mwoyo yedu,
Ive imba yenyu, SHE!
4
Mwoyo yedu nemiviri,
Zvose zvedu zvenyu SHE
Tenzi wedu, chipindaimo,
Musabva matirizve;
Tiratidzei nzira yenyu,
Titeverei nesu;
Kuti tose tiri pano
Tindofara ikweyo.