Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 27 SHE Jesu waponiwa Lyrics

Nziyo Dzekereke RCZ hymnal

Hymn 27 SHE Jesu waponiwa Lyrics

 

1
SHE Jesu waponiwa
PaBetrehema’po;
Vatumwa vamukudza,
Tondomukudzawo
Wedenga wakatida,
Watuma Mwana wake:
Wauya pano pasi
Kutiponesazve.

2
Ngati’ndewo kudanga
Rushiye rurimo;
Nokuti mwana uyo
NdiTenzi weduwo.
SHE Jesu! munzwe isu,
Tichimuonga zvino;
Nesu toda zvikuru
Kuzomukudzawo.

3
Mauya sorushiye
Nokuti matida;
Mutidzidzise tose
Nesu tigomuda.
Masiya Bambo venyu
Kuburukira kuno,
Tinomuidza nhasi
Mudiwa weduwo.

Exit mobile version