Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 267 Jehovha wakati Abrahama Lyrics

Nziyo Dzekereke RCZ hymnal

Hymn 267 Jehovha wakati Abrahama Lyrics

 

1
Jehovha wakati, Abrahama,
Chienda kugomo reMoriya,
Uchitora Isaka mwana wako,
Mwana mumwe chete.

2
Wakafamba mazuva matatu,
Vakaona gomo reMoriya.
Vakasvika ipapo pagomo,
Vakakwira imomo.

**KOROSI**
Zvino huni tinadzo
Nebangawo tinaro,
Ko gwayana rechibayiro riripi?
Zvinozihwa naSHE.

3
Vakaronga mabwe eartari
Vakaisa huni pamusoro.
Wakaudza Isaka mwana wake
Kuti iwe ndiwe chibayiro.

4
Bambo zvino vakasunga mwana.
Mwari akati regedza mwana
Tarira kwawakafuratira,
Gondohwe raivapo.

Exit mobile version