Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 250 Uyai tiimbe nziyo dzedu Lyrics

Nziyo Dzekereke RCZ hymnal

Hymn 250 Uyai tiimbe nziyo dzedu Lyrics

 

1
Uyai tiimbe nziyo dzedu
Zvatakapiwa naMwari wedu
Wakada nyika akatipa
Mwana wake mumwe woga.
Ngatiuchire timutende;
Upenyu hwake wakatipa.
Ngatiimbire rudo rwake,
Wakatipa Mwana wake.

2
Bambo vaJesu vane ngoni;
Ani nani ungauya hake;
Nyange vatsvuka zvivi zvako,
Zvingacheneswa chosewo.
Chirevurura zvivi zvako,
Zvose ungakukanganwira.
Chifugama utende chose,
Kuna Jesu Muponesi.

Exit mobile version