Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 23 Tarirai zviri kudenga Lyrics

Nziyo Dzekereke RCZ hymnal

Hymn 23 Tarirai zviri kudenga Lyrics

 

1
Tarirai zviri kudenga,
Zuva, mwedzi, nyeredzi!
Muchida kuzviverenga
Hamungazvipedzi’ zvi.
Kunyanguva zvakawanda,
Mumwe unozvifambisa,
:/: Mwene wazvo uripo! :/:

2
Tarirai zvenyika Zvose
Miti, nzizi, mabwewo,
Uswa hunomera pasi,
Mvura yomudenga’mo;
Mwoto, rima, uye dova!
Mhepo, chando chinorova!
:/: Mwene wazvo uripo! :/:

3
Tariraiwo zvinofamba,
Nzou nen’ombe, mhukawo;
Ngwena, hove, zvoshambira,
Zvinobhururuka’po!
Zvose nokuwanda kwazvo,
Unozvipa kudya kwazvo! :/:
:/: Mwene wazvo uripo!

4
Tarirai navanhu vose,
Mungarava ndudzi pai?
Uye riya boka rose
Mukudenga ravanyai?
Bambo vanotida tose,
Vanotaririra zvose,
:/: Mwene wedu uripo! :/:

Exit mobile version