Nziyo Dzekereke RCZ hymnal
Hymn 227 Murukai muimbirei Lyrics
1
Murukai, muimbirei
Mhare yapadanda!
Yatirwira nokufira
Sebwizana nyoro.
Akamuka nokubwinya.
Achikunda rufu.
2
Wakatipa, takapiwa
Kurungama kwose
Wakabvisa nhamo dzedu
Nokusingaperi.
Dzikinuro nedzimuro
Wakatiwanira.
3
Takapodzwa noMuzodzwa
Wakapwanya nyoka.
Zvino rufu neGehena
Zvichapera simba
Wakamuka, unobata
Ushe huchakunda.
4
Vatsva pamwe navakuru
Varumbidze Bambo.
Mwana une nyasha huru
Akudziwe navo.
Kudzai Mweya wosesedza
Isu kumufaro!