Nziyo Dzekereke RCZ hymnal
Hymn 226 Wafa Muponesi pachinjikano Lyrics
1
Wafa M’ponesi pachinjikano,
Ndini mutadzi ndafirwa na’ye
Ndinosukiwa neropa rake.
Ndakawana ushe
**KOROSI**
Ndakawana ushe.
Ndakawana ushe
Unganatsiwa mwoyo wangu,
Ndakawana ushe,
2
Ndicho chidziva cheropa rake,
Bwose utadzi bwosukwa nacho.
Machiri ungandisuka Jesu.
Ndakawana ushe.
3
Ndakaponeswa ndokatyamara.
Jesu ugere mumwoyo mangu.
Wakapindira pachinjikano.
Ndakawana ushe.
4
Iwe mutadzi, uuye zvino,
Uise mweya paMuponesi.
Uya ungure muropa rake,
Ungawana ushe.
**KOROSI**
Ungawana ushe,
Ungawana ushe,
Unganatsiwa, mwoyo wako,
Ungawana ushe.