Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 200 Wakamukazve inzwai Lyrics

Nziyo Dzekereke RCZ hymnal

Hymn 200 Wakamukazve inzwai Lyrics

 

1
Wakamukazve inzwai! Hareruya!
Vanhu vose, chirevai! Hareruya!
Vokudenga, uchirai; Hareruya!
Vapanyika davidzai: Hareruya!

2
Bwerabva, varindiwo; Hareruya!
Hwiro hwakakundwapo; Hareruya!
Rufu harubati SHE; Hareruya!
Kristu wakamukazve; Hareruya!

3
Jesu wakararamazve! Hareruya!
Wakakunda ndiye SHE; Hareruya!
Wakafa kurwise’su Hareruya!
Tigosatya hwiro Hareruya!

4
Kuna Kristu chikwirai! Hareruya!
Pana Tenzi wakadai, Hareruya!
Zvivi, rufu, tikundei Hareruya!
Kuna iye SHE hendei! Hareruya!

Exit mobile version