Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 2 Hareruya tendai SHE Lyrics

Nziyo Dzekereke RCZ hymnal

Hymn 2 Hareruya tendai SHE Lyrics

 

1
Hareruya! tenda-i SHE
Mupire Bambo, vakudzei.
Ndivakasika zvose!
Unyoro hwavo chiimbai,
Masimba avo rumbidzai,
Vakudzwe nesu tose.

2
Hareruya! tendai Jesu;
Waburukira kunesu
Kurwira vanhu vose.
Upenyu hwake wape ‘su,
Wafire zvivi zveduwo,
Akudzwe nesu tose.

3
Hareruya noMweyawo,
Chimutendai saizvozvo,
Mumupei mwoyo wose,
Unotitungamirira.
Achitirayirirawo,
Akudzwe nesu tose.

4
SHE, Bambo, Mwana,
Mweyawo!
Tinomuonga-i nesu
Nenziyo dzedu dzose.
She wedu, tinomukudzai,
Tichida kumurumbidzai,
Mukudzwe nesu tose.

Exit mobile version