Nziyo Dzekereke RCZ hymnal
Hymn 184 Chimuka mwoyo wangu Lyrics
1
Chimuka, mwoyo wangu,
Chigwadamira Bambo!
Chionga, uchiimba!
Wedenga une simba!
2
Ndakanga ndichivata,
Muvengi wakashata,
Wakanga andivinga;
Wedenga wamudzinga!
3
Wakati: Vata hako,
Usatya mwana wangu,
Nyanguva kwakavira,
Ndichakutarira!
4
Mazvi’ta ndazviona;
Ndamuka ndakafara,
Ndasimba; kwakaedza,
Nehope dzakapera!