Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 179 Jesu unondimbunda Lyrics

Nziyo Dzekereke RCZ hymnal

Hymn 179 Jesu unondimbunda Lyrics

 

1
Jesu unondimbunda,
Ndinochengetwa;
Unondifungatira,
Ndichizorodzwa.
Hezvo, chinzwai vatumwa
Voimba mukudenga,
Kunyika yomufaro,
Kwandichazondogara.

**KOROSI**
Jesu unondimbunda,
Ndinochengetwa;
Unondifungatira,
Ndichazorodzwa!

2
Jesu inhare yangu;
Haine njodzi;
Haino kuidziwa,
Nyangewo zvivi.
Shungu, ukosha, kutya,
Hazvizikanwi apo,
Pandichandofariswa,
Ndazodanirwa uko.

3
Jesu inhare yangu,
Wakandifira;
Iye ruware rwangu,
Pandakamira.
Ndinongogara pano,
Rima rigozoenda,
Kusvika mambakwedza
Achizondibudira!

Exit mobile version