Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 151 Rinozipa zuva rino Lyrics

Nziyo Dzekereke RCZ hymnal

Hymn 151 Rinozipa zuva rino Lyrics

 

1
Rinozipa zuva rino!
Rinositiunganidza;
Tinofara naro zvino,
:/: Tichikudza SHE Jehova! :/:

2
Rinozipa zuva rino!
Iro rakashanangurwa,
Rakasikwa nyika naro,
:/: Uye zvose zvokudenga! :/:

3
Rinozipa zuva rino!
Iro rinotizorodza,
Ratisingabati naro,
:/: Tigokwasha zvoWedenga! :/:

4
Rinozipa zuva rino!
Ndiro zuva rokumuka
KwoMuraramisi wedu,
:/: Jesu, Mwana woWedenga! :/:

5
Rinozipa zuva rino!
Ngatiimbe nziyo dzedu,
Ngatimukudzise nadzo,
:/: SHE Jehova, Tenzi wedu! :/:

Exit mobile version