Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 130 Ndakaitirwe nyasha huru Lyrics

Nziyo Dzekereke RCZ hymnal

Hymn 130 Ndakaitirwe nyasha huru Lyrics

 

1
Ndakaitirwe nyasha huru
Inyasha dzaSHE dzoga ’dzo.
Rinenge riri nenji guru,
SHE Jesu wandifirawo.
:/: NdiMuponesi wanguzve, :/:
:/: Inyasha dzaakandipa SHE. :/:

2
Ndakanga ndisina kunaka,
Bva zvino ndashanduka sei.
Ndakanga ndawandirwe mhaka,
Ini ndaidziripa nei!
:/: NdiJesu wandinatsazve, :/:
:/: Inyasha dzake, iye SHE! :/:

3
SHE Jesu, ndinotenda zvose
Zvenyasha dzamakandipa!
Ndichanyepera vanhu vose,
Ndichiti: Jesu watida!
:/: Ndoshuva kuti vamude, :/:
:/: Vatsvake nyasha dzenyu, SHE. :/:

4
SHE Jesu wangu wounyoro,
Mundipe nyasha dzenyuzve;
Mugondisvitsawo kum’soro
Kudenga kwamuri’mi SHE.
:/: Kwandichandomuongazve :/:
:/: Zvandakapiwa nemi, SHE! :/:

Exit mobile version