Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 123 Jesu wangu wakanaka Lyrics

Nziyo Dzekereke RCZ hymnal

Hymn 123 Jesu wangu wakanaka Lyrics

 

1
Jesu wangu wakanaka,
Jesu wangu uripi?
Misi yose ndinotsvaka,
Bva ndichamuwanepi?
Mwoyo wangu unochema,
Uchanyaradziwa nei?
Zvivi zvangu zvinorema,
Bva ndicharemudzwa sei?

2
Nyika haingandifadzi,
Zvayo handichazvidi:
Ini zvandiri mutadzi,
Shungu dzangu hadzipwi,
Dzichapwiswa ndichiwana
Muponesi Jesu SHE!
Ndinoramba ndichidana:
Jesu wangu uripi?

3
Ngandipiwe mapapiro,
Ndigokwasha Jesu SHE;
Ndichafara zuva iro
Randasvika kwaari.
Wakadana vakanyara,
Vagowana zororo;
Vane shungu vachafara,
Neni ndichafarawo!

Exit mobile version