Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 100 Ndinofadzwa misi yose Lyrics

Nziyo Dzekereke RCZ hymnal

Hymn 100 Ndinofadzwa misi yose Lyrics

 

1
Ndinofadzwa misi yose,
Ndinokombore…..rwa;
Uye madambudzo ose
Ndinoshanduri…..rwa;
Uye pose pakawoma
Mvura ndinosiiona;
Nyange pausikuwo
Ndinovhenekerwapo.

2
SHE, mazuva omufaro
Anga akawa…..nda;
Anga achisha’iwa nhamo
Achingoere…..ra!
Njodzi, uye kutambura,
Zvanga zviripo zvishoma;
Namazuva ose, SHE,
Ndovigirwa zvitsvazve.

3
Bundo, uye nzizi dzose,
Gungwa rakadzi…..ka;
Miti namakore, zvose
Tinokombore…..rwa;
Misi yose tinopiwa
Rudo rwenyu, uye simba;
Bambo, tibetsere’su,
Kuti timuongewo!

4
Kana paupenyu hwuno
Matipavuri….ra,
Muchazotivigireiko,
Apo pakude….nga?
Kana takapedza rwendo,
Takazova nomukundo,
SHE uchazotipawo
Mubayiro weduko!

Exit mobile version