Site icon Treasure Hymns In Shona

Hymn 10 SHE Jehova mundiise Lyrics

Nziyo Dzekereke RCZ hymnal

Hymn 10 SHE Jehova mundiise Lyrics

 

1
SHE Jehova, mundiise
Pamakwara e…..nyu;
Mweya wenyu udzidzise
Ini, mwana we….nyu
Munditungami…..re,
Ndigoziva kuchengeta
Mirayiro, u…..ye
Misi yose kumutenda.

2
Nyasha dzaSHE dzakakura,
Hadzina kugu…..ma;
Uchadzosa varashika,
Nokuvarayi…..ra;
Uchapereke…..dza
Vanomwoyo wakanaka;
Vanonyengete…..ra
Uchavaratidza nzira.

3
Ndiani unoda iye,
Nokumushumi…..ra?
SHE Wedenga ndiamene
Uchamudzidzi…..sa;
Ndiye uchawa…..na
Fuma huru yokudenga,
Nhaka ichapi…..wa
Vana vake vanomuda!

4
Muchengete mweya wangu
Musandisvode…..sa;
Ndimi utiziro hwangu,
Ndichasimute….nda;
Ndinomumirira,
Mundirwire noruoko;
Ndinodanidzi…..ra,
Nditumirwe raramiso!

Exit mobile version